Chidzidzo
From Wikipedia, the free encyclopedia
Chidzidzo (ku Chingezi: lesson) kana chifundo inzira yekudzidza kana chiito chekupa ruzivo, kubva kumunhu ane ruzivo, chokwadi uye uchenjeri uzhinji kune mumwe munhu ane ruzivo rwakaderera pamusoro pezvinhu zvirikudzidzwa.
Nzvimbo yakajairika inowanzo unzwa zvidzidzo kuvanhu ndeye chikoro, uko mudzidzisi anopa ruzivo kune vadzidzi. Chidzidzo mumamiriro akadaro chinowanzove chaka setwa chakaganhurwa kuti chifokasa pazvidzodzo zvinokwana mukarikyuramu inoenderera nezvinodiwa nehurumende uye nechikoro chacho. Kazhinji zvinosanganisira zvinhu zvakaita se sainzi (chemishonga, fundoyetsimba, ruambamhenyu nezvimwe), uye chitendero (dzimwe nguva), nhoroondo, mitauro, uvaranomwe uye mhanzi (dzimwe nguva futi). Zvakare kune kudzidza kwepamusoro uko kune zvifundo zvizhinji saka kunotendera kuti vadzidzi vasarudze zvavanoda kudzidza kubva pane zvidzidzo zvakawanda uye zvakasiyana.